Luke 3:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka; musataŋga kureʋa mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri: Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo berekai michero inowirirana nokupinduka kwenyu, uye musavambe kuzviti, ‘Tina Abhurahamu sababa vedu, nokuti ndinoti kwamuri, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva kumatombo aya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; musatanga kureva mumwoyo menyu, muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri, Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
Shona 2009?
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Tina Abhurahamu baba \add vedu\add*; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari unogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; musatanga kureva mumwoyo menyu, muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri, Mwari angamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.