Luke 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
Shona 2009?
Akasvika paNazareta, paakanga arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nomusi wesabata, akasimuka kuti arave.
Shona SUB 2002 Bible
Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.