Luke 4:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa;
Shona 2009?
Mweya waShe \add uri\add* pamusoro pangu, nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakavodzwa moyo, kuparidza kusunungurwa kunavakatapwa, kuvona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
Shona SUB 2002 Bible
“Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa;