Luke 4:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati ndee kwaari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
Shona 2009?
Akapeta rugwaro akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
Shona SUB 2002 Bible
Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.