Luke 4:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ndinoziʋa, mucareʋa shumo iyi kwandiri: Ŋaŋga uɀiporese; ɀose iɀo ɀatakanzwa ɀakaitwa paKapernaume, uɀiite ʋo nomuno munyika yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchataura tsumo iyi kwandiri muchiti: ‘Murapi, chizvirapa! Itawo muguta rako rino zvatakanzwa kuti wakaita muKapenaume.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye ndokuvati, “Ndine chokwadi chokuti munoda kundiitira tsumo iyi inoti, ‘N'anga zvirape.’ Muchindiudzawo kuti zviya zvatakanzwa, zvawakaita kuKapenaumu, zviitewo muno munyika mako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ”
Shona 2009?
Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri shumo iyi: Murapi, zvirape iwe; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaumi, uzviitevo nomuno munyika yako.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ”