Luke 4:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinokuʋudzai shoko iri raɀokwaɗi: Kwakaŋga kunecirikadzi zhinji pakati paʋaIsraeri pamazuʋa aEria, paŋguʋa yakazarirwa ɗeŋga makore matatu nemŋedzi mitanhatu, nzara huru ikaʋa’po panyika yose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai chokwadi kuti kwakanga kune chirikadzi zhinji muIsraeri panguva yaEria, panguva yakadzivirwa denga kwamakore matatu nehafu uye nzara huru ikavapo panyika yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri muIsiraeri makanga muine chirikadzi zhinji pamazuva aEriya, panguva iya yakapfigwa denga kukasanaya kwamakore matatu nemwedzi mitanhatu, kukava nenzara huru munyika yose,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
Shona 2009?
Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuvaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
Shona SUB 2002 Bible
Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati paVaIsiraeri pamazuva aEriya, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;