Luke 4:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino musinagoge makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wakaipa wetȿina; iye akaɗanidzira nenzwi guru, aciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musinagoge makanga muno murume akanga akabatwa nedhimoni, mweya wakaipa, uye akadanidzira nenzwi guru achiti,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musinagogu imomo maiva nomunhu aiva nomweya wakaipa wetsvina. Akazhamba nezwi guru achiti;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti,
Shona 2009?
Zvino musinagoge makanga munomunhu waiva anomweya wetsvina wakaipa; akadanidzira nenzwi guru,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wakan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti,