Luke 4:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Jesu akauraira, aciti: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wakaipa ukamuwisira pasi pakati paʋo, ukaɓuɗa kwaari, usina‐kutoŋgomukuʋadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akaurayira achiti, “Nyarara! Buda maari!” Ipapo dhimoni rakaputsira murume uyu pasi pamberi pavo vose rikabuda risina kumukuvadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akaukarira achiti, “Chibva wanyarara ubude maari.” Kuzoti mweya wakaipa uya wambomurigira pasi, vose vachizviona; wakabuda maari usina kumbomukuvadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
Shona 2009?
Ipapo Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa wakati wamuwisira pakati, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.