Luke 4:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kutya kukaʋawira ʋose, ʋakataurirana, ʋaciti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mŋeya yetȿina necikuriri nesimba, ikaɓuɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vose vakashamiswa vakataurirana vachiti, “Kudzidzisa uku ndokupi? Anorayira mweya yakaipa nechikuriri uye nesimba uye ichibuda!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vakashamiswa kwazvo, vakataurirana vachiti, “Ishokoi iri? Nokuti anoudza mweya yakaipa nechiremera nesimba, ichibva yabuda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.”
Shona 2009?
Kushamisika kukawira vose, vakataurirana, vachiti: Ishokoiko? Nokuti nesimba nechikuriri unoraira mweya yetsvina, ikabuda.
Shona SUB 2002 Bible
Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.”