Luke 4:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nemŋeya yakaipa yakaɓuɗa kuʋazhinji, iciɗanidzira, iciti: Ndimi Mŋanakomana waMŋari! Asi wakairaira, akasaitendera kutaura, nokuti yakaŋga iciziʋa kuti ndiye Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro paizvozvo, madhimoni akabuda muvanhu vazhinji, achidanidzira achiti, “Ndiwe mwanakomana waMwari!” Asi iye akaatsiura akasaatendera kuti ataure, nokuti iwo aiziva kuti ndiye Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya yakaipa yakabuda muvazhinji ichidaidzira ichiti, “Iwe, ndiwe Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu akaikarira asingaibvumiri kutaura nokuti yaiziva kuti iyeyu ndiye Kristu wacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu.
Shona 2009?
Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti: Ndimwi Kristu mwanakomana waMwari. Iye aka\add i\add*tsiura akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu
Shona SUB 2002 Bible
Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu.