Luke 4:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakati kwaedza, akaɓuɗa, akaenda kwakaŋga kunerenje; ʋazhinji ʋakamutȿaka, ʋakaȿika kwaari, ʋakaidza kumudziʋisa, kuti arege kubva kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mangwanani-ngwanani, Jesu akaenda kunzvimbo yakanyarara ari oga. Vanhu vakanga vachimutsvaka uye vakati vamuwana paakanga ari, vakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti kwaedza Jesu akabvako oenda kunzvimbo isina vanhu. Uzhinji hwavanhu hwakamutsvaka. Vakauya kwaari vachiedza kumudzivisa kuti asabve kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari.
Shona 2009?
Zvino kwakati kwaedza akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, chaunga chikamutsvaka, chikasvika kwaari, chikamubatirira kuti arege kubva kwavari,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari.