Luke 4:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakati kwaʋari: Ndinofanira kuparidzira mamŋe maguta ʋo Evaŋgeri yoʋushe bgaMŋari; nokuti ndiɀo ɀandakatumirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iye akati, “Ndinofanira kuparidza vhangeri roumambo hwaMwari kuna mamwewo maguta, nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jesu akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzawo shoko rakanaka roumambo hwaMwari kuna mamwe maguta nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
Shona 2009?
Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri youshe hwaMwari mamwe magutavo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”