Luke 4:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda.
Shona 2009?
Dhiabhorosi akati kwaari: Simba iri rose ndichakupa nokukudzwa kwahwo, nokuti ndakahwupiwa ini, kuti ndihwupe aninani wandinoda.
Shona SUB 2002 Bible
Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda.