Luke 5:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kuno murume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Iye akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida imi, munogona kundinatsa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga anamaperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
Shona 2009?
Zvino zvakaitika, ari kune rimwe guta, tarira, murume wakanga azere maperembudzi; wakati achivona Jesu akawa nechiso, ndokumukumbira, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
Shona SUB 2002 Bible
Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga ana maperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”