Luke 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamuraira kuti asaʋudza munhu, akati: Enda undoɀiratidza kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamukohomedza kuti asaudze munhu. Asi akati, “Enda, undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako, sokutemwa kwazvakaitwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamurayira kuti asaudza munhu, akati, “Enda unozviratidza kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
Shona 2009?
Akamuraira kuti asavudza munhu; \add akati\add*: Asi enda undozviratidza kumuprista, ubayire pamusoro pakunatswa kwako, sezvakarairwa naMozisi, chive chapupu kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Akamurayira kuti asaudza munhu, akati, “Enda unozviratidza kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”