Luke 5:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nerimŋe ramazuʋa iwayo wakaŋga acidzidzisa; ʋaFarise naʋadzidzisi ʋomurairo ʋakaŋga ʋagere’po, ʋaibva kumisha yose yeGarirea neJudea neJerusarema; simba raShe rokuporesa rakaŋga rinaye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe zuva Jesu paakanga achidzidzisa, paiva navaFarisei navadzidzisi voMutemo, vakanga vagerepo vaibva mumisha yose yeGarirea neyeJudhea nokuJerusaremu. Simba raTenzi rokuporesa rakanga riinaye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariria neJudhea neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva, iye wakanga achidzidzisa; zvino vaFarisi navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariri neJudhiya neJerusarema; nesimba raShe rakanga riri\add po\add* kuvaporesa.
Shona SUB 2002 Bible
Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; VaFarisi navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGareriya neJudhiya neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye.