Luke 5:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, ʋakati ʋacishaiwa paʋaŋgamupinza napo, nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakakwira pamsoro peimba, ʋakamuɓurusira mukati nenhoʋo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfuriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakatadza kupinda naye pamusana pokuwanda kwavanhu vakakwira pamusoro pemba, vakabvisa mafendefa edenga remba, ndokumudzikisa ari pauvato pamberi paJesu mukati mavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.
Shona 2009?
Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo, nokuda kwechaunga, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhovo \add yake\add*, pamapfuriro pakati pamberi paJesu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu.