Luke 5:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kunowakafa mitezo:) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhoʋo yako, uende kumba kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba pasi pano rokuregerera zvitadzo, akati kuno munhu akanga akatonhora mitezo, “Ndinoti kwauri, simuka, utore uvato hwako, uende kumusha.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu anesimba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ”
Shona 2009?
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokuregerera zvivi, (akati kunowairwara nokuwoma mitezo) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ”