Luke 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akapinda munerimŋe igwa, raiʋa raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo paɗuku apinde mumʋura. Ɀino akagara, akadzidzisa ʋanhu ʋazhinji, ari mugwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapinda mune rimwe igwa raiva riri raSimoni, akamukumbira kuti asuduruke abve kumucheto zvishoma. Zvino akagara mugwa muya akadzidzisa vanhu vazhinji arimo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishona apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa.
Shona 2009?
Akapinda mune chimwe chikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishoma. Zvino akagara, akadzidzisa chaunga ari muchikepe.
Shona SUB 2002 Bible
Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishoma apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa.