Luke 5:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane ʋanoɀinyima ɀokudya kazhinji, ʋacikumbira; naʋaʋaFarise ʋanoɗaro ʋo, asi ʋenyu ʋanodya nokunwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji, vachiita minamato, navadzidzi vavaFarisei vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanozvinyima zvokudya kazhinji, vachikumbira; navavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.”
Shona 2009?
Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, navavaFarisi vanodarovo, asi venyu vanodya nokumwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanozvinyima zvokudya kazhinji, vachikumbira; navaVaFarisi vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.”