Luke 5:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Muŋgadziʋisa shamŋari dzecikomba kudya, cikomba ciri kwaʋari here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavapindura akati, “Hamungagoni kuita kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Mungaite kuti vanhu vari pamuchato vatsanye, iye muwani vachinaye here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Mungadzivisa shamwari dzemuwani kudya, muwani achiri kwavari here?
Shona 2009?
Asi wakati kwavari: Mungatsanyisa vana veimba yomuchato chikomba chiri kwavari here?
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwavari, “Mungadzivisa shamwari dzemuwani kudya, muwani achiri kwavari here?