Luke 5:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akataura naʋo nomufananidzo, akati: Hakunomunhu ucabvarura ciremo paŋguʋo itȿa, akaciisa paŋguʋo yakasakara; nokuti ucabvarura nguʋo itȿa, ʋuye ciremo ceŋguʋo itȿa haciŋganzwani neyakasakara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavataurirazve nomuenzaniso achiti, “Hakuna munhu anobvarura jira rechigamba pahanzu itsva achichisonerera pahanzu tsaru. Kana akadaro achabvarura hanzu itsva, uyezve chigamba chehanzu itsva hachipindirani nehanzu tsaru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akataura navo nomufananidzo, akati, “Hakuna munhu achabvarura chiremo panguo itsva, akachiisa panguo yakasakara; nokuti chichabvarura nguo itsva, uye chiremo chenguo itsva hachinganzwani neyakasakara.
Shona 2009?
Akatauravo mufananidzo kwavari, \add akati\add*: Hakunomunhu unoisa chigamba chitsva panguvo sharu; kana zvakadaro naichovo chitsva chinobvarura, nechigamba chakabva \add panguvo\add* itsva hachipindirani nechisharu.
Shona SUB 2002 Bible
Akataura navo nomufananidzo, akati, “Hakuna munhu achabvarura chiremo panguo itsva, akachiisa panguo yakasakara; nokuti chichabvarura nguo itsva, uye chiremo chenguo itsva hachinganzwani neyakasakara.