Luke 5:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu ucaɗira waini itȿa muhomboɗo tsaru; nokuti waini itȿa icaparusa homboɗo, ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye hakuna anodira waini itsva muguchu ramatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu angadururire, waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Kana akadaro, waini itsva inoputitsa zvigubhu izvozvo, waini ichadeuka nezvigubhu zvichaparadzika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna munhu achadira waini itsva muhombodo tsaru kana akadaro waini itsva ichaparusa hombodo, ikateuka, nehombodo dzikafawo;
Shona 2009?
Uye hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvakadaro, waini itsva ichaparusa hombodo, ikatevuka, uye nehombodo dzikaparara.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna munhu achadira waini itsva muhombodo tsaru kana akadaro waini itsva ichaparusa hombodo, ikateuka, nehombodo dzikafawo;