Luke 6:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nomusi wesaɓata wakafamba napakati peminda yeɀiyo; ʋadzidzi ʋake ʋakatanha hura, ʋakadya, ʋacidzipukuta namaʋoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, kuti paakanga achifamba napakati peminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura dzezviyo, vachidya, vachidzipukuta namavoko
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko.