Luke 6:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɓuruka naʋo, akamira pakati cecetere, naʋadzidzi ʋake ʋazhinji, naʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋaibva Judea rose neJerusarema, napamhenderekedzo yeguŋgwa reTire neSidoni,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaburuka navo akandomira panzvimbo yakanga yakaenzana. Ungano huru yavadzidzi vake yakanga iripo uye vanhu vazhinji vaibva muJudhea yose, vaibva kuJerusarema, uye navaibva kumuganhu weTire neSidhoni,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akaburuka navo akandomira panzvimbo yakati chechetere aina vadzidzi vake vazhinji nechita chikuru chavanhu vakabva muJudhea yose nomuJerusaremu nomunyika yeTire neSidhoni iri pedyo negungwa,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaburuka navo, akamira pakati chechetere, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji-zhinji, vaibva Judhea yose neJerusaremu, napamhenderekedzo yegungwa reTire neSidhoni,
Shona 2009?
Akaburuka navo, akamira pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chavanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, napamahombekombe egungwa reTire neSidoni, vakavuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo;
Shona SUB 2002 Bible
Akaburuka navo, akamira pakati chechetere, navadzidzi vake vazhinji, navanhu vazhinji zhinji, vaibva Judhiya yose neJerusaremu, napamhenderekedzo yegungwa reTaya neSidhoni,