Luke 6:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakatȿaka kumunyaŋgata, nokuti simba rakaɓuɗa kwaari rikaʋaporesa ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vanhu vose vakaedza kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari uye richivaporesa vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vose vaivapo vaivavarira kumubata nokuti simba rakanga richibuda maari richiporesa vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose.
Shona 2009?
Chaunga chose chakatsvaka kumunyangata: nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vazhinji vose vakatsvaka kumunyangata, nokuti simba rakabuda kwaari rikavaporesa vose.