Luke 6:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munenhamo imi makaguta ɀino, nokuti mucaʋa nenzara. Munenhamo imi munoseka ɀino, nokuti mucacema nokurira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imi vanoseka zvino, Nokuti muchaungudza uye muchachema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvichakuwanai imi munamaguta zvino nokuti muchazova nenzara. Zvichakuwanai imi munoseka zvino nokuti muchasuruvara nokuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokuungudza.
Shona 2009?
Vurombo kwamuri imwi makaguta! Nokuti muchaziya. Vurombo kwamuri imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nokuwungudza.
Shona SUB 2002 Bible
Mune nhamo imi makaguta zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo imi munoseka zvino, nokuti muchachema nokuungudza.