Luke 6:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akaʋapindura, akati: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye;
Shona 2009?
Zvino Jesu achivapindura, wakati: Ko hamuna kurava pamusoro pezvizvi here? zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ava nenzara iye navakanga vanaye,
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye;