Luke 6:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciŋgopa iʋo cikwerete, ʋamunoti mucadzoserwa ɀe naʋo, munokuʋoŋgwa kwakaɗiniko? Nokuti naʋatadzi ʋanopa ʋo ʋatadzi cikwerete, kuti ʋapiwe ɀe ɀakaenzana naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana uchikweretesa kuna vaya vaunotarisira kuti vagodzora, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanokweretesa kuvatadzi, vachitarisira kuzodzoserwa zvakakwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana muchikweretesa vamunofunga kuti vanozokudzorerai munokodzera chitusoi? Kana vatadzi vanokweretesa vamwe vatadzi kuti vagodzorerwa zvakaenzana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana muchingopa ivo chikwerete, vamunoti muchadzoserwazve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopawo vatadzi chikwerete, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo.
Shona 2009?
Kana muchikwereta vamunotarisira kudzoserwa navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanokweretesavo vatadzi, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana muchingopa ivo chikwereti, vamunoti muchadzoserwazve navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanopawo vatadzi chikwereti, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo.