Luke 6:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, muʋaitire ɀakanaka. Mupe cikwerete musiŋgaʋori mŋoyo; muɓairo wenyu ucaʋa mukuru, mugoʋa ʋanakomana ʋoWokumsoro‐soro; nokuti iye unomŋoyo munyoro kunaʋasiŋgaʋoŋgi naʋakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka, mukweretese musingatarisire kuti muchadzorerwa, ipapo mubayiro wenyu uchazova mukuru uye muchazova vana voWokumusorosoro nokuti iye ano mwoyochena kuna vasingatendi nokuna vakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwereti musingaori mwoyo; mubayiro wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro-soro; nokuti iye anomwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
Shona 2009?
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mupe chikwereti musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi idai vavengi venyu, muvaitire zvakanaka. Mupe chikwereti musingaori mwoyo; mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vanakomana voWokumusoro–soro; nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.