Luke 6:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti wakapinda mumba maMŋari, akatora ɀiŋgwa ɀokuratidza, aka ɀi dya, akapa ʋo ʋakaŋga ʋanaye, iɀo ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?”
Shona 2009?
kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora, akadya, zvingwa zvokuratidza, akapavo vakanga vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi navaprista voga?
Shona SUB 2002 Bible
kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?”