Luke 6:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti hakunomuti wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa, kana muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka;
Shona 2009?
Nokuti muti wakanaka haugoni kubereka chibereko zvakaipa; uye muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka;