Luke 6:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀakanaka pafuma yakanaka yomŋoyo wake; wakaipa unoɓuɗisa ɀakaipa pafuma yakaipa yomŋoyo wake; nokuti muromo unoreʋa ɀizere pamŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo.
Shona 2009?
Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yomoyo wake, unobudisa izvo zvakanaka, nomunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yomoyo wake, unobudisa izvo zvakaipa; nokuti zvizere mumoyo make, \add ndizvo\add* zvinotaura muromo wake.
Shona SUB 2002 Bible
Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo.