Luke 6:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe nomumŋe unoʋuya kwandiri, akanzwa mashoko aŋgu, akaaita, ndicakuratidzai waakafanana naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye.
Shona 2009?
Ani nani unovuya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ini ndichakuratidzai waakafanana naye.
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye.