Luke 6:49 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi unonzwa, asiŋgaiti, wakafanana nomunhu wakaʋaka imba pavu, isinenheyo; mvura yakati iciiroʋa, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukaʋa kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi uyo anonzwa mashoko angu asingaaiti, akafanana nomunhu akavakira imba yake pavhu, isina ugaro. Rukova rwakaroverera pairi, ikawa pakarepo, kuparara kwemba iyoyo kukava kukuru kwazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi anonzwa, asingaiti, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu, isina nheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.”
Shona 2009?
Asi uyo unonzwa asingaiti, wakafanana nomunhu wakavaka imba isina nheyo pavhu; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Asi anonzwa, asingaiti, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu, isina nheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.”