Luke 6:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakaziʋa mifuŋgo yaʋo, akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati paʋanhu. Akasimuka, akamira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira.
Shona 2009?
Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati \add pavanhu\add*. Akasimuka akamira.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira.