Luke 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ndino ku bvunzai shoko iri: Ɀakatenderwa here kuita ɀakanaka kana ɀakaipa nesaɓata, kuponesa munhu, kana kuʋuraya?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?”
Shona 2009?
Zvino Jesu akati kwavari: Ndinokubvunzai chinhu chimwe: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana zvakaipa? kuponesa upenyu kana kuparadza?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?”