Luke 7:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa rinoteʋera, wakaenda kuguta rainzi Naini; ʋadzidzi ʋake naʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaenda naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, uye vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvezvo Jesu akaenda kune rimwe guta rainzi Naini; vadzidzi vake negurumwandira ravanhu vakaenda naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva rinotevera, akaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vavadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva rinotevera, akaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji zhinji vakaenda naye.