Luke 7:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, wakati acisweɗera pedyo nesuʋo reguta, akaʋona ʋanhu ʋakaŋga ʋakatakura wakafa, mŋanakomana mumŋe woga wamai ʋake, yaiʋa cirikadzi; naʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakaŋga ʋanaye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuzoti ave kuswedera pasuwo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti ava kusvika pasuo guru reguta iroro, houno munhu akanga akatembedzanwa, akafa, mwana mukomana aive ari ndiye mwana mumwechete oga waamai vake, uye amai ava vaiva chirikadzi. Vanhu vazhinji veguta iroro vaivaperekedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, akati achiswedera pedyo nesuo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.
Shona 2009?
Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, tarira, kwaiva nomunhu wakanga akafa achibudwa \add naye\add* kunze, mwamakomana mumwe chete wamai vake vaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, akati achiswedera pedyo nesuwo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.