Luke 7:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋaciȿika kwaari, ʋakati: Johane Mubapatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ava zvavakasvika kwaari vakati, “Johani Muombeki atituma kwamuri, achibvunza kuti, ‘Ko ndimi here uya akanzi achazouya kana kuti tomirira mumwe?’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vachisvika kwaari, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatitumira kwamuri neshoko rokuti, ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?”
Shona 2009?
Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watitumira kwamuri achiti: Ko ndimwi iye unovuya here? kana tichakataririra mumwe?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vachisvika kwaari, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatitumira kwamuri neshoko rokuti, ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?”