Luke 7:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, aciti: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhume dzaJohani dzakati dzabva, Jesu akatanga kutaurira ruzhinji rwavanhu nezvaJohani achiti; “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nhume dzaJohani dzakati dzabva, akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, achiti, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
Shona 2009?
Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuchaunga pamusoro paJohwani, \add achiti\add*: Makabudira kurenje kundovoneiko? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
Shona SUB 2002 Bible
Nhume dzaJohani dzakati dzabva, akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, achiti, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?