Luke 7:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋaneŋguʋo dzinobginya, naʋanogara ɀinonaka, ʋari mudzimba dzamadzimambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vane nguo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
Shona 2009?
Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, vachigara zvakanaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vane nguo dzinobwinya, navanogara zvakanaka, vari mudzimba dzamadzimambo.