Luke 7:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakunomukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgaMŋari mukuru kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndinoti kwamuri, pavanhu vose vakazvarwa navakadzi hakuna mukuru kupinda Johani. Zvakadaro zvazvo muduku wokupedzisira muumambo hwaMwari mukuru kwaari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoti kwamuri, “Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwaMwari mukuru kwaari.”
Shona 2009?
Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pavakaberekwa navakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe bwaMwari mukuru kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoti kwamuri, “Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwaMwari mukuru kwaari.”