Luke 7:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu wakaʋuya acidya, acinwa, ɀino moti: Tarirai, munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwanakomana Womunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi navatadzi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, moti munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’
Shona 2009?
Mwanakomana womunhu wasvika achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu wamakaro nomumwi wewaini shamwari yavateresi navatadzi.
Shona SUB 2002 Bible
Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’