Luke 7:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, muguta iro makaŋga munomukadzi waiʋa mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akaʋuya necinu cearbastera caiʋa necizoro,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuwira earabhasteri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaitika kuti mumwe mukadzi womugutamo aiva mutadzi paakanzwa kuti Jesu agere pakudya mumba yomuFarisei uya, akauya nechinu chomunyakwe wearabhasita chiina mafuta okuzora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, muguta iro makanga muno mukadzi aiva mutadzi; iye akati anzwa kuti agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasitera chaiva namafuta okuzora,
Shona 2009?
Zvino tarira, mukadzi muguta \add iro\add*, waiva mutadzi, wakati aziva kuti ugere pakudya mumba momuFarisi, akavuya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira, muguta iro makanga muno mukadzi aiva mutadzi; iye akati anzwa kuti agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasitera chaiva namafuta okuzora,