Luke 7:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati: Ʋanhu ʋaʋiri ʋakaŋga ʋanecikwerete kumunhu mumŋe; mumŋe wakaŋga anecikwerete camadenari anamazana mashanu, mumŋe camakumi mashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mumwe mukweretesi aiva navakwereti vaviri. Mumwe akakwereta mazana mashanu amadhenari mumwewo makumi mashanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati, “Vanhu vaviri vakanga vane chikwerete kumunhu mumwe; mumwe akanga ane chikwerete chamadhenari ana mazana mashanu, mumwe chamakumi mashanu.
Shona 2009?
Kwakanga kune vakwereti vaviri kune mumwe mukweretesi; mumwe wakanga ane chikwereti chamadhenari* anamazana mashanu, mumwe makumi mashanu.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati, “Vanhu vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe; mumwe akanga ane chikwereti chamadhinari ana mazana mashanu, mumwe chamakumi mashanu.