Luke 7:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakaŋganwirwa ɀizhinji here? Akati kwaari: Wareʋa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.” Jesu akati, “Wataura zvakanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simoni akamupindura achiti, “Ndinofunga kuti ndouya akaregererwa zvizhinji.” Jesu ndokumuti, “Wapindura zvazviri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Simoni akapindura, akati, “Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here?” Akati kwaari, “Wareva kwazvo.”
Shona 2009?
Simoni akapindura akati: Ndinofunga kuti ndouyo wakakangamwirwa zvizhinji. Akati kwaari: Watonga zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Simoni akapindura, akati, “Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here?” Akati kwaari, “Wareva kwazvo.”