Luke 7:44 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akatendeʋukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unoʋona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzaŋgu; asi uyu wakanyoroʋesa tsoka dzaŋgu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akatendeukira kumukadzi uya ndokuti kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako, hauna kundipa mvura yokugeza tsoka dzangu asi iye anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake akadzipukuta nevhudzi rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu akanyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nevhudzi rake.
Shona 2009?
Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unovona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi \add uyu\add* wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevudzi romusoro wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu akanyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nevhudzi rake.