Luke 7:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndinoti kwauri: Ɀiʋi ɀake, ɀiya ɀizhinji, waɀikaŋganwirwa, nokuti wakaɗa ɀikuru; asi unokaŋganwirwa ɀishoma, unoɗa ɀishoma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinoti kwauri, zvitadzo zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti aratidza rudo rukuru; asi uyo anoregererwa zvishoma anoratidza rudo rushoma.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndinoti kwauri, ‘Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikanganwirwa, nokuti akada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.’ ”
Shona 2009?
Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa, nokuti wada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndinoti kwauri, ‘Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikanganwirwa, nokuti akada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.’ ”