Luke 7:49 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaŋga ʋagere naye pakudya ʋakataŋga kureʋa mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: Uyu ndianiko unokaŋganwira ɀiʋi ʋo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vakanga vakokwa vakatanga pakati pavo kuti, “Ndianiko anoti kunyange nezvivi anokanganwira?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vaya vakanga vagere naye pakudya vakatanga kuzviti, “Uyu ndianiko anoregererawo kunyange zvitadzo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu ndianiko anokanganwira zviviwo?”
Shona 2009?
Zvino avo vakanga vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, \add vachiti\add*: Ndianiko uyu unokangamwira zvivivo?
Shona SUB 2002 Bible
Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu ndianiko anokanganwira zviviwo?”